2. Ndianiko angaparidza mabasa aJehovha esimba, kana kureva kurumbidzwa kwake kwose?
3. Vakaropafadzwa vanochengeta kururamisira, vanogara vachiita zvakarurama.
4. Ndirangarirei, imi Jehovha, pamunoratidza nyasha kuvanhu venyu, pamunovaponesa, mundibatsirewo,
5. kuti ndifadzwe nokubudirira kwavasanangurwa venyu, kuti ndigovane pamufaro wavanhu venyu, uye ndibatane nenhaka yenyu pakurumbidza.
6. Takatadza, sezvakaita madzibaba edu; takaita zvakaipa uye takaita mabasa akaipa.
7. Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti, havana kumbofunga nezvezvishamiso zvenyu; havana kurangarira tsitsi dzenyu zhinji, asi vakakumukirai pagungwa, iro Gungwa Dzvuku.