13. Ipapo Jesu akabudazve akaenda kugungwa. Vanhu vazhinji zhinji vakauya kwaari uye akatanga kuvadzidzisa.
14. Paaifamba achitevedza gungwa, akaona Revhi mwanakomana waArifiasi agere paitererwa mutero. Jesu akati kwaari, “Nditevere,” ipapo Revhi akasimuka akamutevera.
15. Jesu paakanga achidya kudya kwamanheru paimba yaRevhi, vateresi vazhinji na“vatadzi” vakanga vachidya naye, uye navadzidzi vake, nokuti kwaiva navazhinji vaimutevera.
16. Vadzidzisi vomurayiro, ivo vaFarisi vakati vachimuona achidya na“vatadzi” uye navateresi, vakabvunza vadzidzi vake vakati, “Seiko achidya navateresi uye na‘vatadzi’?”