Mako 14:29-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Petro akati, “Kunyange dai vose vakakurambai, ini kwete.”

30. Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, nhasi, manheru ano chaiwo, jongwe risati rarira kaviri, iwe pachako uchandiramba katatu.”

31. Asi Petro akaramba akasimbisisa achiti, “Kunyange dai ndichifanira kufa nemi, handizombokurambai.” Uye vose vakadarowo.

32. Vakaenda kunzvimbo inonzi Getsemani, uye Jesu akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichambondonyengetera.”

33. Akatora Petro, Jakobho naJohani pamwe chete naye, akatanga kushungurudzika zvikuru uye akatambudzika.

Mako 14