Mabasa Avapostori 7:45-53 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

45. Vakagamuchira tabhenakeri, vachitungamirirwa naJoshua, madzibaba edu akauya pamwe chete nayo paya pavakatora nyika kubva kundudzi dzakanga dzadzingwa pamberi pavo naMwari. Tabhenakeri yakagara munyika iyo kusvikira panguva yaDhavhidhi,

46. uyo akaitirwa zvakanaka naMwari uye akakumbira kuti avakire Mwari waJakobho nzvimbo yokugara.

47. Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba.

48. “Kunyange zvakadaro, Wokumusoro-soro haagari mudzimba dzakavakwa navanhu. Sezvinorehwa nomuprofita achiti:

49. “ ‘Denga ndicho chigaro changu choushe uye nyika ndiyo chitsiko chetsoka dzangu.Ko, muchandivakira imba yakaita sei?ndizvo zvinotaura Ishe.Kana kuti nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko?

50. Ko, ruoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here?’

51. “Imi vanhu vemitsipa mikukutu, vane mwoyo nenzeve dzisina kudzingiswa! Makangoita samadzibaba enyu: Munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene!

52. Kwakambova nomuprofita asina kutambudzwa namadzibaba enyu here? Vakauraya kunyange vaya vakaprofita kuuya kwaIye Oga Akarurama. Uye zvino makamupandukira mukamuuraya,

53. iyemi makagamuchira murayiro wamakapiwa kubudikidza navatumwa, asi musina kuuteerera.”

Mabasa Avapostori 7