Mabasa Avapostori 27:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kwakati kwarongwa kuti tiende nechikepe kuItari, Pauro navamwe vasungwa vakaiswa mumaoko omukuru wezana ainzi Juriasi akanga ari wehondo yaAgasito.

2. Takakwira chikepe chaibva kuAdhiramitiami chakanga chava kuenda nomunzvimbo dzaiva kumahombekombe enyika yeEzhia, ndokubva taenda kugungwa. Takanga tiina Arisitako, muMasedhonia aibva kuTesaronika, pamwe chete nesu.

Mabasa Avapostori 27