Mabasa Avapostori 22:17-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. “Pandakadzokera kuJerusarema, uye ndichinyengetera ndiri mutemberi, ndakabatwa nomweya

18. ndikaona Ishe achitaura kwandiri achiti, ‘Kurumidza kubva muJerusarema izvozvi, nokuti vanhu havangagamuchiri uchapupu hwako.’

19. “Ndakapindura ndikati, ‘Ishe, vanhu ava vanoziva kuti ndakanga ndichienda musinagoge rimwe nerimwe kuti ndinosunga uye ndirove vaya vaitenda kwamuri.

20. Uye pavakateura ropa raSitefani chapupu chenyu, ndakanga ndimirepo ndichitenderana nazvo uye ndakachengeta nhumbi dzaivo vaimuuraya.’

21. “Ipapo Ishe akati kwandiri, ‘Enda, nokuti ndichakutuma kure kuvaHedheni.’ ”

Mabasa Avapostori 22