1. Vakati vapfuura nomuAmufipori neAporonia, vakasvika muTesaronika umo makanga mune sinagoge ravaJudha.
2. Setsika yake Pauro akapinda musinagoge, uye kwamaSabata matatu, akataurirana navo zvaibva muMagwaro,
3. achitsanangura nokuvaratidza kuti Kristu aifanira kutambudzika uye agomuka kubva kuvakafa. Akati, “Jesu uyu wandinokuparidzirai ndiye Kristu.”
4. Vamwe vaJudha vakatenda ndokubva vabatana naPauro naSirasi, sezvakaitwawo navazhinji zhinji vavaGiriki vaitya Mwari uye navakadzi vazhinji vaikudzwa.
5. Asi vaJudha vakaita godo; saka vakakokorodza vanhu vakanga vakaipa kubva pamusika, vakaunganidza mhomho yavanhu kuti vandotanga bope muguta. Vakamhanyira kumba kwaJasoni kundotsvaka Pauro naSirasi vachida kuti vavabudise vavaendese kuvanhu vazhinji.
6. Asi vakati vavashayiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vachidanidzira vachiti, “Vanhu vaya vakauyisa kutambudzika panyika yose vasvikawo kuno zvino,
7. uye Jasoni akavagamuchira mumba make. Vose vari kumhura zvirevo zvaKesari, vachiti, pano mumwe mambo, anonzi Jesu.”
8. Vakati vanzwa izvozvo, ungano uye navabati veguta vakashushikana.