Mabasa Avapostori 16:19-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Vatenzi vomusikana akanga ari nhapwa vakaona kuti tariro yavo yokuita mari yakanga yapera, vakabata Pauro naSirasi vakavazvuzvurudzira pachivara pamberi pavo.

20. Vakavamisa pamberi pavatongi vakati, “Varume ava vaJudha, uye vamutsa bopoto muguta redu

21. vachidzidzisa tsika dzisingabvumirwi nesu vaRoma kuti tidzigamuchire kana kudziita.”

22. Ungano yakabatana pakurwisa Pauro naSirasi, uye vatongi vakarayira kuti nguo dzavo dzibvarurwe uye kuti varohwe.

23. Shure kwokurohwa zvikuru, vakaiswa mutorongo, uye muchengeti wetorongo akarayirwa kuti avachengetedze kwazvo.

24. Akati agamuchira kurayira uku, akavaisa muchitokisi chomukati akasungirira tsoka dzavo pamatanda.

25. Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera.

26. Pakarepo pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru zvokuti nheyo dzetorongo dzakazungunuka. Kamwe kamwe masuo etorongo akazaruka, uye ngetani dzavanhu vose dzakasununguka.

27. Muchengeti wetorongo akamuka, uye paakaona masuo etorongo azaruka akavhomora munondo wake uye akada kuzviuraya nokuti akafunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka.

28. Asi Pauro akadanidzira achiti, “Usazvikuvadza! Tiri muno tose!”

29. Muchengeti wetorongo akadanidzira kuti mwenje utungidzwe, akapinda achimhanya akawira pamberi paPauro naSirasi achidedera.

30. Ipapo akavabudisa kunze akati kwavari, “Vakuru, ndingaita sei kuti ndiponeswe?”

31. Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.”

32. Ipapo vakataura shoko raShe kwaari nokuna vose vakanga vari mumba.

Mabasa Avapostori 16