Mabasa Avapostori 15:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vamwe varume vakauya vachibva kuJudhea vakaenda kuAndioki, uye vakanga vachidzidzisa hama vachiti: “Kunze kwokunge madzingiswa, maererano netsika yakadzidziswa naMozisi, hamungaponeswi.”

2. Izvi zvakasvitsa Pauro naBhanabhasi pakupesana kukuru uye nokukakavadzana navo. Saka Pauro naBhanabhasi vakasarudzwa kuti vaende kuJerusarema pamwe chete navamwe vatendi, kuti vandoona vapostori navakuru pamusoro peshoko iri.

3. Kereke yakavatuma parwendo rwavo, uye pavakafamba vachipinda nomuFonisia nomuSamaria, vakarondedzera kuti vaHedheni vainge vachitendeuka sei. Shoko iri rakafadza hama dzose zvikuru.

Mabasa Avapostori 15