Kuungudza Kwajeremia 4:14-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Vanodzungaira munzira dzaro samapofu. Vakasvibiswa neropa zvokuti hapana angada kubata nguo dzavo.

15. Vanhu vanodanidzira kwavari vachiti, “Ibvai! Hamuna kuchena! Ibvai! Ibvai! Musatibata!” Panguva yokutiza nokudzungaira kwavo, vanhu pakati pendudzi vanoti, “Havangarambi vachigara pano.”

16. Kutsamwa kwaJehovha kwavaparadzira; haachavachengetedza. Havana kukudza uprista, uye havana kuremekedza vakuru.

Kuungudza Kwajeremia 4