Johani 9:36-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

36. Murume uya akapindura akati, “Iye ndianiko nhai, Ishe? Ndiudzei kuti ndigotenda kwaari.”

37. Jesu akati, “Wamuona zvino; uye ndiye ari kutaura newe.”

38. Ipapo murume uya akati, “Ishe, ndinotenda,” akabva amunamata.

39. Jesu akati, “Kutonga ndiko kwandakavinga munyika ino, kuitira kuti mapofu aone uye avo vanoona vave mapofu.”

Johani 9