Johani 9:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Pakupedzisira vakadzokerazve kumunhu uya akaberekwa ari bofu vakati, “Ko, iwe unoti kudini naye, sezvo akasvinudza meso ako.” Murume uya akapindura akati, “Muprofita.”

18. Kunyange zvakadaro, vaJudha havana kubvuma kuti akanga ari bofu uye kuti akanga asvinudzwa meso ake, kusvikira vadana vabereki vake.

19. Vakati kwavari, “Mwanakomana wenyu here uyu? Ndiye here wamunoti akaberekwa ari bofu? Seiko ava kuona iye zvino?”

Johani 9