Johani 9:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Vakamubvunza vakati, “Aripiko murume wacho?”Iye akati, “Handizivi.”

13. Vakauyisa murume uya aimbova bofu kuvaFarisi.

14. Zvino zuva iro rakakanyiwa dope rikaiswa pameso omunhu naJesu, raiva zuva reSabata.

15. Naizvozvo vaFarisi vakamubvunzawo kuti akasvinudzwa sei. Murume uya akapindura akati, “Aisa dope pameso angu uye ndikandoshamba, zvino ndava kuona.”

Johani 9