Johani 5:4-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Nguva nenguva mutumwa waShe aiburukiramo achibvongodza mvura. Munhu aitanga kupinda mudziva shure kwenguva ipi zvayo yainge yabvongodzwa mvura aiporeswa pachirwere chipi zvacho chaainge anacho.

5. Mumwe murume akanga arimo akanga arwara kwamakore makumi matatu namasere.

6. Jesu akati amuona avete imomo, uye aiziva kuti akanga aita mararamiro iwayo kwenguva refu, akamubvunza akati, “Unoda kuporeswa here?”

7. Murwere akati, “Ishe, handina munhu anondibatsira kuti ndipinde mudziva mvura painenge yabvongodzwa. Ndichiri kuedza kupinda, mumwe anonditangira.”

8. Ipapo Jesu akati kwaari, “Simuka! Tora rukukwe rwako ufambe.”

9. Pakarepo murume uyu akaporeswa; akatora rukukwe rwake akafamba. Zuva rakaitika izvi raiva reSabata.

10. Naizvozvo vaJudha vakati kumunhu uya akanga aporeswa, “Nhasi iSabata; murayiro unokurambidza kuti utakure rukukwe rwako.”

11. Asi iye akapindura akati, “Munhu andiporesa ati kwandiri, ‘Takura rukukwe rwako ufambe.’ ”

12. Saka vakamubvunza vakati, “Ndianiko munhu uyu akutaurira kuti urutakure ufambe?”

13. Munhu uya akanga aporeswa akanga asingazivi kuti ainge ari ani, nokuti Jesu akanga apinda mukati meungano yakanga iripo.

14. Shure kwaizvozvo, Jesu akamuwana ari mutemberi uye akati kwaari, “Tarira, wapora; Usatadzazve kuti urege kuwirwa nechimwe chinhu chakaipisisa.”

15. Murume akabva akaenda akandoudza vaJudha kuti ndiJesu akanga amuporesa.

Johani 5