Johani 19:33-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Asi vakati vasvika pana Jesu uye vachiona kuti atofa, havana kuvhuna makumbo ake.

34. Asi, mumwe murwi akamubaya nepfumo parutivi, ropa nemvura zvikabuda pakarepo.

35. Murume akazviona ndiye akapa umboo, uye uchapupu hwake ndohwechokwadi. Anoziva kuti ari kutaura chokwadi, uye anopupura kuitira kuti nemiwo mutende.

36. Zvinhu izvi zvakaitika kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe runoti: “Hakuna kana bvupa rake rimwe richavhunwa,”

Johani 19