Johani 16:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Nokuti ndataura zvinhu izvi, mwoyo yenyu yazara neshungu.

7. Asi ndiri kukutaurirai chokwadi kuti: Zvakakunakirai imi kuti ini ndava kuenda. Kana ndikasaenda, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.

8. Kana asvika achapa nyika mhosva pamusoro pechivi napamusoro pokururama nokutongwa:

9. pamusoro pechivi, nokuti vanhu havatendi kwandiri;

10. pamusoro pokururama, nokuti ndiri kuenda kuna Baba, kwamusingazondionizve;

Johani 16