9. Jesu akapindura akati, “Ko, nguva hadzizi gumi nembiri pazuva here? Munhu anofamba masikati haagumburwi, nokuti anoona nechiedza chenyika ino.
10. Anogumburwa paanenge achifamba usiku, nokuti haana chiedza.”
11. Akati ataura izvi, akaenderera mberi achiti kwavari, “Shamwari yedu Razaro avata; asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa.”
12. Vadzidzi vake vakapindura vakati, “Ishe, kana akavata, achaita zviri nani.”