Johani 1:37-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

37. Vadzidzi vaviri vakati vachimunzwa achitaura izvi, vakatevera Jesu.

38. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavabvunza akati, “Munodeiko?”Ivo vakati, “Rabhi” (ndiko kuti Mudzidzisi), “munogarepiko?”

39. Akapindura akati, “Uyai muzokuona.”Saka vakaenda vakandoona paaigara, vakaswera naye kwezuva rimwe chete. Yakanga iri nguva inenge yegumi.

Johani 1