Joere 1:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Zvinhu izvi zviudzei vana venyu, uye vana venyu ngavaudzewo vana vavo, uye vana vavowo vaudze rudzi runotevera.

4. Zvakasiyiwa nefararira remhashu zvakadyiwa nemhashu dzemagutaguta; zvakasiyiwa nemhashu dzemagutaguta zvakadyiwa negwatagwata; zvakasiyiwa negwatagwata zvakadyiwa nedzimwewo mhashu.

5. Mukai imi zvidhakwa, chemai! Ungudzai imi vanwi vewaini; ungudzai nokuda kwewaini itsva, nokuti yabvutwa pamiromo yenyu.

6. Rudzi rwakapinda kuti ruzorwisa nyika yangu, rune simba uye haruverengeki; rune meno eshumba nameno makuru eshumbakadzi.

7. Rwakaparadza mizambiringa yangu yose, rukaparadza mionde yangu yose. Rwakasvuura makwati ose emiti, rukaarasira kure, ndokusiya mapazi awo achena kuti mbe-e.

8. Chemai semhandara yakapfeka masaga inochema murume wouduku hwayo.

9. Zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa hazvichawanikwi muimba yaJehovha. Vaprista vari kuungudza, vaya vanoshumira pamberi paJehovha.

Joere 1