6. Tizai! Mhanyai noupenyu hwenyu; mufanane negwenzi riri mugwenga.
7. Sezvo muchivimba namabasa uye nepfuma yenyu, nemiwo muchatapwa, uye Kemoshi ichaenda kuutapwa, pamwe chete navaprista namachinda ayo.
8. Muparadzi acharwa namaguta ose ose, uye hapana guta richapukunyuka. Mupata uchaparadzwa, uye mutunhu wakakwirira uchaparadzwa nokuti Jehovha azvitaura.
9. Isai munyu pamusoro peMoabhu, nokuti ichaparadzwa; maguta ayo achava matongo, asina achazogaramo.