Jeremia 48:13-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ipapo Moabhu achanyadziswa neKemoshi, sokunyadziswa kwakaitwa imba yaIsraeri pavakavimba neBheteri.

14. “Ungataura sei, uchiti, ‘Tiri mhare, varume vakatsunga muhondo’?

15. Moabhu ichaparadzwa, uye maguta ayo achapindirwa nechisimba; majaya ake akaisvonaka achaburukira kundourayiwa,” ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose.

16. “Kuwa kweMoabhu kwava pedyo; njodzi yayo ichasvika nokukurumidza.

17. Ichemei, imi mose mugere makaipoteredza, vose vanoziva mukurumbira wayo; muti, ‘Yavhunika seiko tsvimbo yakasimba, wavhunika seiko mudonzvo wakaisvonaka!’

18. Burukai pakukudzwa kwenyu mugare pavhu rakaoma, imi vagari voMwanasikana weDhibhoni, nokuti iye anoparadza Moabhu achauya kuzokurwisai, uye agoparadza maguta enyu akakomberedzwa.

19. Mirai panzira mutarire, imi vagari vemuAroeri. Bvunzai murume ari kutiza nomukadzi apunyuka, uvabvunze kuti, ‘Chii chaitika?’

20. Moabhu yanyadziswa, nokuti yaparadzwa. Ungudzai uye muridze mhere! Zvizivisei paArinoni kuti Moabhu yaparadzwa.

21. Kutonga kwasvika kumutunhu wakakwirira, kuHoroni, neJahaza neMefaati,

22. KuDhibhoni, neNebho neBheti Dhibhirataimu,

23. kuKiriataimu, neBheti Gamuri neBheti Meoni,

24. kuKerioti neBhozira, nokumaguta ose eMoabhu ari kure naari pedyo.

25. Runyanga rweMoabhu rwagurwa; ruoko rwake rwavhunika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

26. “Itai kuti adhakwe, nokuti iye azvidza Jehovha. Regai Moabhu aumburuke mumarutsi ake; ngaave chinhu chinosekwa.

Jeremia 48