1. Pamusoro peMoabhu: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, “Ine nhamo Nebho, nokuti ichaparadzwa. Kiriataimi ichanyadziswa uye ichakundwa; nhare dzichanyadziswa uye dzichaparadzwa.
2. Moabhu haichazorumbidzwizve; muHeshibhoni varume vacharangana nezvokuwa kwaro, vachiti, ‘Uyai, tiparadze rudzi urwo.’ Newewo, iwe Madhimeni uchati mwiro; munondo uchakutevera.
3. Inzwai kuchema kunobva kuHoronaimi, kuchema kwokukoromorwa nokuparadzwa kukuru.
4. Moabhu ichaputswa; vanana vavo vacharidza mhere.