27. “Usatya, iwe Jakobho muranda wangu; usavhunduka iwe Israeri. Zvirokwazvo ndichakuponesa uri kunzvimbo iri kure, navana vako kubva kunyika yeutapwa hwavo, Jakobho achavazve norugare nokuchengetedzeka, uye hakuna achamutyisa.
28. Usatya, iwe Jakobho muranda wangu, nokuti ndinewe,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kunyange ndikaparadza chose marudzi ose andakakuparadzirai pakati pawo, handizokuparadzei imi zvachose. Ndichakurangai, asi chete nokururamisira; handingakuregei musina kurangwa zvachose.”