6. Vakatorawo varume vose, navakadzi navana navanasikana vamambo vakanga vasiyiwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi vamambo kuna Gedharia mwanakomana waShafani, naJeremia muprofita uye naBharuki mwanakomana waNeria.
7. Saka vakapinda muIjipiti vasingateereri Jehovha vakaenda zvokutosvika kuTapanesi.
8. Vari paTapanesi, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,
9. “Tora mabwe makuru uavige mudhaka pakati pezvitinha panopindwa napo kumuzinda waFaro uri paTapanesi, vaJudha vakatarisa.
10. Ipapo uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndichatuma shoko kumuranda wangu Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye ndichaisa chigaro chake choushe pamusoro pamabwe aya andaviga pano; achatambanudza denga rake roushe pamusoro pawo.
11. Achauya agorwisa Ijipiti, achivigira rufu kuna avo vakatongerwa rufu, kutapwa kuna vakatongerwa utapwa, nomunondo kuna avo vakatongerwa munondo.