Jeremia 42:19-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. “Haiwa imi vakasara veJudha, Jehovha akuudzai kuti, ‘Musaenda kuIjipiti.’ Ivai nechokwadi: ndinokuyambirai nhasi

20. kuti makakanganisa kwazvo pamakandituma kuna Jehovha Mwari wenyu muchiti, ‘Tinyengeterere kuna Jehovha Mwari wedu, utiudze zvose zvaanoreva uye isu tichazviita.’

21. Ndakuudzai nhasi, asi kunyange zvakadaro hamuna kuteerera Jehovha Mwari wenyu pane zvose zvaakandituma kuzokuzivisai imi.

22. Saka zvino, ivai nechokwadi nezvizvi: Muchafa nomunondo, nenzara, uye nedenda kunzvimbo yamunoda kuenda kundogara.”

Jeremia 42