Jeremia 33:17-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Dhavhidhi haangatongoshayiwi munhu angagara pachigaro choushe cheimba yaIsraeri,

18. Kana vaprista, vorudzi rwaRevhi, havangashayiwi munhu angamira pamberi pangu nguva dzose kuti apisire zvipiriso, nokupisa zvipiriso zvezviyo nokugara achipa zvibayiro.’ ”

19. Shoko raJehovha kuna Jeremia, richiti,

20. “Zvanzi naJehovha, ‘Kana mukagona kuputsa sungano yangu namasikati uye sungano yangu nousiku, zvokuti masikati nousiku zvirege kuvapo nenguva yakatarwa,

21. ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu, nesungano yangu navaRevhi avo vanova vaprista vanoshumira pamberi pangu, ingagona kuputsika uye Dhavhidhi haangazovizve nomwanakomana angatonga ari pachigaro chake choushe.

22. Ndichawanza vana vomuranda wangu Dhavhidhi navaRevhi vanoshumira pamberi pangu zvokusaverengeka senyeredzi dzedenga uye zvokusagona kuyerwa sejecha regungwa.’ ”

23. Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,

24. “Hauna kucherechedza here kuti vanhu ava vanoti, ‘Jehovha akaramba umambo hwose huri huviri hwaakanga asarudza’? Saka vari kushora vanhu vangu nokusavaona sorudzi.

Jeremia 33