12. Mushure mokunge muprofita Hanania avhuna joko pamutsipa waJeremia, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia richiti,
13. “Enda undoudza Hanania kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Wavhuna joko redanda, asi panzvimbo yaro uchawana joko resimbi.
14. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, ndichaisa joko resimbi pamitsipa yendudzi idzi dzose kuti vashandire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye vachamushandira. Ndichaita kuti ave nesimba kunyange nepamusoro pezvikara zvesango.’ ”
15. Ipapo muprofita Jeremia akati kuna Hanania muprofita, “Chinzwa, Hanania! Jehovha haana kukutuma iwe, asi wakanyengerera rudzi urwu kuti ruvimbe nenhema dzako.
16. Naizvozvo, zvanzi naJehovha, ‘Ndava pedyo nokukubvisa pamusoro penyika. Gore iro rino chairo uchafa, nokuti wakaparidza zvinomukira Jehovha.’ ”
17. Mumwedzi wechinomwe wegore racho iroro, muprofita Hanania akafa.