Jeremia 25:36-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

36. Inzwai kuchema kwavafudzi, nokuungudza kwavatungamiriri veboka, nokuti Jehovha ari kuparadza mafuro avo.

37. Mabumhudza ano rugare achaparadzwa nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.

38. Seshumba, achabva panzvimbo yake yokuvanda, uye nyika yavo ichaparadzwa nokuda kwomunondo womumanikidzi, uye nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.

Jeremia 25