Jeremia 23:26-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Ko, izvi zvicharamba zviri mumwoyo yavaprofita venhema ava kusvikira rinhi ivo vanoprofita zvokunyengera kwendangariro dzavo?

27. Vanofunga kuti zviroto zvavanoudzana zvichaita kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu sezvakaita madzibaba avo akakanganwa zita rangu nokuda kwokunamata Bhaari.

28. Muprofita ane chiroto ngaataure kurota kwake, asi ane shoko rangu ngaataure nokutendeka. Nokuti mashanga ane basa rei pazviyo?” ndizvo zvinotaura Jehovha.

29. “Shoko rangu harina kufanana nomoto here,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nenyundo inoputsanya dombo?”

30. “Naizvozvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handina ukama navaprofita vanobirana mashoko anofungidzirwa kuti anobva kwandiri.

31. “Hongu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handina ukama navaprofita vanoshandisa ndimi dzavo vachiti, ‘Jehovha ari kutaura.’

Jeremia 23