5. Zvanzi naJehovha, “Ngaatukwe munhu uyo anovimba nomumwe munhu, anovimba nesimba renyama ano mwoyo unofuratira Jehovha.
6. Achafanana negwenzi murenje; haangaoni kubudirira pakunosvika. Achagara munzvimbo dzakaoma dzemugwenga, munyika yomunyu isingagarwi nomunhu.
7. “Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha, akaisa chivimbo chake maari.
8. Achafanana nomuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurukova. Hautyi kana kupisa kuchisvika; mashizha awo anogara ari manyoro. Haufunganyi mugore rokusanaya kwemvura, uye haumboshayiwi zvibereko.”
9. Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, uye wakaora chose. Ndiani angauziva?
10. “Ini Jehovha ndinonzvera mwoyo uye ndinoedza ndangariro, kuti ndipe munhu zvakaringana namafambiro ake, uye zvakafanira mabasa ake.”
11. Sechikwari chinochochonya mazai achisina kukandira, ndizvo zvakaita munhu anowana pfuma nokusarurama. Pakati pamazuva ake, zvichamusiya, uye pakupedzisira achazviona kuti ibenzi.
12. Chigaro choushe chinobwinya, chakanga chakakwira kubva pakutanga, ndiyo nzvimbo yedu tsvene.
13. Ini Jehovha, tariro yaIsraeri, vose vanokusiyai vachanyadziswa. Vose vanotsauka kwamuri vachanyorwa muvhu, nokuti vakasiya Jehovha, chitubu chemvura mhenyu.
14. Haiwa Jehovha, ndiporesei, ipapo ndichaporeswa; ndiponesei, ipapo ndichaponeswa, nokuti imi ndimi wandinorumbidza.
15. Vanogara vachiti kwandiri, “Shoko raJehovha riripiko? Ngarizadziswe iye zvino!”
16. Handina kutiza pakuva mufudzi wenyu; munoziva kuti handina kushora zuva rokupera kwetariro. Zvinobuda mumuromo mangu zviri pachena pamberi penyu.