1. “Chivi chaJudha chakanyorwa nechinyoreso chesimbi, chakanyorwa nomuromo webwe rakapinza kwazvo, pahwendefa dzemwoyo yavo nepanyanga dzearitari dzavo.
2. Kunyange vana vavo vanorangarira aritari dzavo namatanda aAshera munyasi memiti yakapfumvutira uye napazvikomo zvakakwirira.
3. Gomo rangu riri munyika uye pfuma yako namatura ako ose ndichazviendesa kuutapwa, pamwe chete nenzvimbo dzako dzakakwirira, nokuda kwechivi chiri munyika yako yose.