Isaya 63:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndianiko uyu anobva kuEdhomu, anobva kuBhozira, ane nguo dzakatsvuka seropa? Ndianiko uyu, akafuka zvinobwinya, anofamba muukuru hwesimba rake? “Ndini ndinotaura nokururama, ndine simba rokuponesa.”

2. Seiko nguo dzenyu dzakatsvuka sedzomunhu anotsika chisviniro chewaini?

3. “Ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kubva kundudzi dzose hapana akanga aneni. Ndakavatsika-tsika mukutsamwa kwangu uye ndakavapwanyira pasi nehasha dzangu; ropa ravo rikatsatikira panguo dzangu, ndikasvibisa nguo dzangu dzose.

4. Nokuti zuva rokutsiva rakanga riri mumwoyo mangu, uye gore rokudzikinura kwangu rasvika.

5. Ndakatarisa, asi pakanga pasina angabatsira, ndakashamiswa nokuti hapana akatsigira; naizvozvo ruoko rwangu rwakandivigira ruponeso, uye hasha dzangu dzakanditsigira.

Isaya 63