Isaya 49:22-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Zvanzi naIshe Jehovha,“Tarira ndichasimudza ruoko rwangu kuvaHedheni, ndichasimudzira mureza wangu kumarudzi; vachauya navanakomana vako vari mumaoko avo, uye vachatakura vanasikana vako pamapfudzi avo.

23. Madzimambo achava madzibaba anokurerai, uye vanamambokadzi vavo vachava vanamai vanokurerai. Vachakupfugamirai uso hwavo hwakatsikitsira pasi, vachananzva guruva patsoka dzenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha; vanovimba neni havachazonyadziswi.”

24. Ko, mhare ingapambwa here, kana vatapwa vanganunurwa kubva kune anotyisa here?

25. Asi zvanzi naJehovha,“Hongu vatapwa vachatorwa kubva kumhare, uye zvakapambwa kubva kune anotyisa; ndicharwa navanorwa newe, uye vana vako ndichavaponesa.

Isaya 49