10. Havangavi nenzara kana nyota, havangabayiwi nokupisa kwegwenga, kana nokupisa kwezuva. Iye anovanzwira tsitsi achavatungamirira, uye achavafambisa napazvitubu zvemvura.
11. Ndichashandura makomo angu ose kuti ave migwagwa, uye migwagwa yangu mikuru ichasimudzirwa.
12. Tarirai vachauya vachibva kure: vamwe vachibva nechokumusoro, vamwe nechokumavirazuva, vamwe nokurutivi rweAsiwani.”
13. Imbai, imi matenga, pembera iwe nyika; imbai rwiyo imi makomo! Nokuti Jehovha anonyaradza vanhu vake, uye achava netsitsi navanhu vake vanotambudzika.