5. Zvanzi naMwari Jehovha, iye akasika matenga akaatatamura, akatambanudza nyika nezvose zvinobuda mairi, anopa kufema kuvanhu vayo, noupenyu kuna avo vanofamba pamusoro payo:
6. “Ini, Jehovha, ndakakudana mukururama; ndichabata ruoko rwako. Ndichakuchengeta ndigokuita kuti uve sungano yavanhu nechiedza kuvaHedheni,
7. kuti usvinudze meso asingaoni, nokusunungura vakasungwa mutorongo uye usunungure vari mugomba, avo vagere murima.
8. “Ndini Jehovha; ndiro zita rangu! handizopi kukudzwa kwangu kuno mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo.
9. Tarira, zvinhu zvakare zvaitika, uye ndiri kutaura zvinhu zvitsva; izvo zvisati zvavapo ndinozvizivisa kwamuri.”
10. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubva kumagumo enyika, imi munoburukira kugungwa, nazvose zviri mariri, imi zviwi, navose vanogaramo.