Isaya 40:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.

2. Taurai nounyoro kuJerusarema, mudanidzire kwariri kuti kubata kwaro kukuru kwapera, uye kuti chivi charo charipirwa, kuti ragamuchira kubva muruoko rwaJehovha zvakapetwa kaviri pamusoro pezvivi zvaro.

3. Inzwi rounodanidzira achiti, “Gadzirai nzira yaJehovha mugwenga, ruramisai mugwagwa waMwari wedu murenje.

4. Mipata yose ichasimudzirwa, makomo ose nezvikomo zvichaenzaniswa; nzvimbo dzisakaenzana dzichava bani.

5. Uye kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa, uye marudzi ose avanhu achazviona. Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.”

6. Inzwi rinoti, “Danidzirai.” Ini ndokuti, “Ndodanidzireiko?”“Vanhu vose vakaita souswa, uye kubwinya kwavo kwose kwakaita samaruva omunda.

Isaya 40