Isaya 33:11-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Munoita mimba yehundi, munobereka mashanga; kufema kwenyu ndiwo moto unokuparadzai.

12. Marudzi achapiswa kunge suko; vacharirima kunge huni dzeminzwa dzakatemwa.”

13. Imi vari kure, inzwai zvandakaita; imi vari pedyo, bvumai kuti ndine simba!

14. Vatadzi vari muZioni vavhundutswa; vasina Mwari vodedera: “Ndianiko pakati pedu angagare nomoto unopisa nokusingaperi?”

15. Iye anofamba nokururama uye anotaura zvakanaka, anoramba pfuma inobva pakumanikidza uye anodzivisa ruoko rwake kugamuchira fufuro, anodzivisa nzeve dzake kunzwa rangano dzokuuraya, uye anotsinzina meso ake kuti arege kuona zvakaipa,

16. uyu ndiye munhu achagara pakakwirira, nhare dzegomo dzichava utiziro hwake. Zvokudya zvake achazvipiwa, uye haangashayiwi mvura.

17. Meso ako achaona mambo pakunaka kwake; uye achatarira nyika yakakura kwazvo.

18. Mundangariro dzako ucharangarira zvaimbokutyisa ugoti: “Aripiko muchinda mukuru uya? Aripiko uya aimbotora mutero? Aripiko muchinda aiva mutariri weshongwe?”

19. Vanhu vaya vokuzvikudza hauchazovaonazve, ivo vanhu vomutauro wakavanzika, vorurimi rwavo, rusinganzwiki.

Isaya 33