Isaya 25:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa, Jehovha ndimi Mwari wangu; ndichakukudzai uye ndicharumbidza zita renyu, nokuti nokutendeka kukuru makaita zvinhu zvinoshamisa, zvinhu zvamakaronga kare kare.

2. Makaita kuti guta rive dutu ramarara, guta rakakomberedzwa rikava dongo, nhare yavatorwa haichazova gutazve; haichazovakwazve.

3. Naizvozvo vanhu vane simba vachakukudzai; maguta endudzi dzine utsinye achakuremekedzai.

4. Manga muri utiziro hwavarombo, utiziro hwaanoshayiwa mukutambudzika kwake, uye dumba panguva yemvura zhinji nomumvuri pakupisa kwezuva. Nokuti kuremedzeka kwavano utsinye kwakafanana nemvura zhinji inorovera parusvingo,

Isaya 25