Isaya 24:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Waini itsva yapwa uye muzambiringa wauna; vose vanoda mafaro vogomera.

8. Kufadza kwamakandira kwanyaradzwa, kupembera kwavapururudzi kwapera, rudimbwa rwomufaro rwanyaradzwa.

9. Havangazonwi waini vachiimba rwiyo; doro rava kuvava kuvanwi varo.

10. Guta rakoromorwa rava dongo; mukova wokupinda mudzimba dzose wapfigwa.

11. Vochemera waini mumigwagwa; mufaro wose washanduka wava kusuwa, mupururu wabviswa panyika.

Isaya 24