Isaya 15:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Chirevo chaJehovha maererano neMoabhu: Ari romuMoabhu rava dongo, rakaparadzwa usiku! Kiri romuMoabhu rava dongo, rakaparadzwa usiku!

2. Dhibhoni rakwira kutemberi yaro, kunzvimbo dzaro dzakakwirira kundochema; Moabhu ari kuungudza pamusoro peNebho napamusoro peMedhebha. Misoro yose yaveurwa ndebvu dzose dzabviswa.

3. Munzira dzomuguta vakapfeka masaga: pamusoro pamatenga edzimba uye nomumatare, vanoungudza vose, vakazvambarara vachichema.

4. Heshibhoni neErieri dzinodanidzira, manzwi avo anonzwika kusvikira kuJahazi. Naizvozvo varwi veMoabhu vanodanidzira, uye mwoyo yavo yaziya.

5. Mwoyo wangu unodanidzira pamusoro peMoabhu; vatizi varo vanotiza kusvikira kuZoari, kusvikira kuEgirati-Sherishiya. Vanokwidza nenzira yokuRuhiti, vanofamba vachichema, munzira yokuHoranaimi vanochema kuparadzwa kwavo.

Isaya 15