1. Chiratidzo chaIsaya mwanakomana waAmozi, chaakaona pamusoro peJudha neJerusarema pamazuva aUziya naJotamu, naAhazi naHezekia, madzimambo eJudha.
2. Inzwai imi matenga! Teerera iwe nyika! Nokuti Jehovha akataura achiti, “Ndakarera vana ndikavakudza, asi ivo vakandimukira.
3. Nzombe inoziva vatenzi vayo, nembongoro inoziva chidyiro chomwene wayo, asi Israeri haizivi, vanhu vangu havanzwisisi.”
4. Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora! Vakasiya Jehovha; vakashora Mutsvene waIsraeri vakamufuratira.