Hosea 4:6-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Vanhu vangu vanoparadzwa nokuda kwokushayiwa zivo. “Sezvo maramba zivo, ini ndakurambaiwo savaprista vangu; nokuti makafuratira murayiro waMwari wenyu, ini ndichafuratirawo vana venyu.

7. Vaprista vakati vachiwanda, kunditadzira kwavo kukawandawo; vakatsinhanisa kukudzwa nechimwe chinhu chinonyadzisa.

8. Vanodya zvivi zvavanhu vangu uye vachifarira zvakaipa zvavo.

9. Uye zvichaitika kuti: Zvakaita vanhu, ndizvo zvichaitawo vaprista. Ndicharanga vose, nokuda kwenzira dzavo uye ndichavapa mubayiro wamabasa avo.

10. “Vachadya asi havangaguti; vachaita ufeve asi havangawandi, nokuti vakatiza Jehovha kuti vazvipire

11. kuufeve, newaini yakare neitsva, zvinobvisa kunzwisisa

12. kwavanhu vangu vanobvunza chifananidzo chedanda uye vanopindurwa netsvimbo yomuti. Mweya woufeve unovatungamirira mukurasika, havana kutendeka kuna Mwari wavo.

13. Vanobayira pamusoro pamakomo uye vanopisira zvinonhuwira pazvikomo, pasi pemiouki, mipopura nemiterebhini, pane mimvuri yakanaka. Naizvozvo vanasikana venyu vanotendeukira kuufeve navaroora venyu kuupombwe.

Hosea 4