Hosea 2:14-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Naizvozvo zvino ndichazovakwezva; ndichavatungamirira kurenje ndigotaura zvinyoronyoro kwavari.

15. Ikoko ndichavadzosera minda yavo yemizambiringa uye ndichaita kuti mupata weAkori uve musuo wetariro. Ikoko vachaimba sapamazuva oumhandara hwavo, sapamazuva avakabuda kubva muIjipiti.

16. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “Uchanditi ‘murume wangu;’ hauchazonditi ‘tenzi wangu.’

17. Ndichabvisa mazita avanaBhaari kubva pamiromo yavo; havangazodani kumazita avozve.

18. Pazuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzesango neshiri dzedenga uye nezvipuka zvinokambaira pasi. Uta nomunondo nehondo, ndichazvibvisa panyika kuti zvose zvivate pasi zvakachengetedzeka.

19. Ndichatsidza kukuwana uve wangu nokusingaperi; Ndichatsidza kukuwana mukururama uye nomukururamisira, murudo netsitsi.

20. Ndichatsidza kukuwana mukutendeka, uye uchabvuma kuti ndini Jehovha.

21. “Pazuva iro ndichadavira,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichadavira kumatenga uye ivo vachadavira kunyika;

22. nenyika ichadavira kuzviyo, waini itsva namafuta, uye izvo zvichadavira kuna Jezireeri.

23. Ndichamusima panyika nokuda kwangu; ndicharatidza rudo kuno uyo wandakati ‘Haasiye wandinoda.’ Ndichati kuna avo vanonzi ‘Havasi vanhu vangu,’ ‘Muri vanhu vangu,’ uye ivo vachati, ‘Muri Mwari wangu.’ ”

Hosea 2