Genesisi 6:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. VaNefirimu vakanga vari panyika mumazuva iwayo, uyewo mushure maizvozvo, vanakomana vaMwari vakapinda kuvasikana vavanhu vakaita vana navo. Vakanga vari mhare dzakare, vanhu vaiva nomukurumbira.

5. Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu panyika kwakanga kuri kukuru sei, uye kuti ndangariro dzokufunga kwomwoyo wake dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.

6. Jehovha akazvidemba kuti akanga aita munhu panyika, uye mwoyo wake wakazara nokurwadziwa.

7. Saka Jehovha akati, “Ndichabvisa vanhu pamusoro penyika ivo vanhu vandakaisa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira pamusoro pevhu, neshiri dzedenga, nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.”

8. Asi Noa akawana nyasha pamberi paJehovha.

9. Iyi ndiyo rondedzero yezvaNoa. Noa akanga ari munhu akarurama, asina chaanopomerwa pakati pavanhu venguva yake, uye akafamba naMwari.

Genesisi 6