Genesisi 50:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Josefa akazviwisira pamusoro pababa vake uye akachema pamusoro pavo uye akavatsvoda.

2. Ipapo Josefa akarayira varapi vaimushandira kuti vasasike baba vake Israeri. Saka varapi vakamusasika,

3. vakapedza mazuva makumi mana azere, nokuti ndiyo yakanga iri nguva yaidikanwa yokusasika. Uye vaIjipiti vakamuchema kwamazuva makumi manomwe.

Genesisi 50