3. Josefa akati kuhama dzake, “Ndini Josefa! Ko, baba vangu vachiri vapenyu here?” Asi hama dzake hadzina kugona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake.
4. Ipapo Josefa akati kuhama dzake, “Swederai henyu kwandiri.” Vakati vaita izvozvo, akati, “Ndini Josefa hama yenyu, wamakatengesa kuIjipiti!
5. Uye zvino, musatambudzika uye musazvitsamwira nokuda kwokuti makanditengesa kuno, nokuti Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndigoponesa upenyu hwavanhu.
6. Nokuti pava namakore maviri zvino nzara yava munyika, uye makore mashanu ari kutevera kuchange kusingarimwi kana kukohwewa.
7. Asi Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndikuchengeterei vanosara panyika uye kuti ndiponese upenyu hwenyu nokusunungurwa kukuru.
8. “Saka zvino, hamuzimi makandituma kuno, asi Mwari. Iye akandiita baba kuna Faro, ishe weimba yake yose nomutongi weIjipiti yose.