Genesisi 41:55-57 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

55. Ijipiti yose payakatanga kunzwa nzara, vanhu vakatanga kuchemera zvokudya kuna Faro. Ipapo Faro akaudza vaIjipita vose akati, “Endai kuna Josefa uye muite zvaanokuudzai.”

56. Nzara yakati yapararira munyika yose, Josefa akazarura matura uye akatengesa zviyo kuvaIjipita, nokuti nzara yakanga iri huru munyika yose yeIjipiti.

57. Uye nyika dzose dzakauya kuzotenga zviyo kuIjipiti kubva kuna Josefa, nokuti nzara yakanga iri huru munyika dzose.

Genesisi 41