Genesisi 41:18-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. ipapo ndikaona mhou nomwe dzichibuda murwizi, dzakakora uye dzakanaka, uye dzikafura pakati petsanga.

19. Shure kwadzo, dzimwe mhou nomwe dzakabuda, dzine nzara uye dzakashata uye dzakaonda. Handisati ndamboona mhou dzakaipa kudai munyika yose yeIjipiti.

20. Mhou dzakaonda uye dzakashata dzakadya mhou nomwe dziya dzakakora dzakanga dzatanga kuuya.

Genesisi 41