Genesisi 40:16-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Mubiki mukuru akati aona kuti Josefa akanga apa dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, “Neniwo ndarota hope. Pamusoro pangu panga pana matengu matatu echingwa.

17. Mudengu rapamusoro manga mune mhando dzose dzezvinhu zvakabikwa zvaFaro, asi shiri dzanga dzichidya kubva mudengu ranga riri pamusoro pangu.”

18. Josefa akati, “Uku ndiko kududzirwa kwazvo. Matengu matatu ndiwo mazuva matatu.

19. Mukati mamazuva matatu, Faro achasimudza musoro wako uye agokuturika pamuti. Uye shiri dzichadya nyama yako.”

Genesisi 40