Genesisi 38:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Panguva iyoyo, Judha akabva kuhama dzake akaburuka akandogara nomurume wokuAdhurama ainzi Hira.

2. Ikoko Judha akasangana nomwanasikana womumwe murume muKenani ainzi Shua. Akamuwana uye akavata naye;

3. akava nemimba akabereka mwanakomana, zita rake rainzi Eri.

4. Akaitazve imwe mimba akabereka mwanakomana uye akamutumidza zita rokuti Onani.

5. Akabereka mumwezve mwanakomana akamutumidza zita rokuti Shera. Akamuberekera kuKezibhi.

6. Judha akatorera dangwe rake Eri mukadzi, uye zita rake ainzi Tamari.

7. Asi Eri, dangwe raJudha, akanga akaipa pamberi paJehovha, saka Jehovha akamuuraya.

8. Ipapo Judha akati kuna Onani, “Vata nomukadzi womukoma wako uye umuitire zvawakafanira kuita kwaari somunun'una, kuti uberekere mukoma wako vana.”

9. Asi Onani akaziva kuti vana havaizova vake; saka pose paaivata nomukadzi womukoma wake, aiteurira mbeu pasi kuti arege kuberekera mukoma wake vana.

10. Zvaakaita zvakanga zvakaipa pamberi paJehovha; saka akamuurayawo.

Genesisi 38